ZVINODIWA PAKUTEURA/KUKUMBIRIRA/KUSUMA.
Chekutanga unofanira kunge wakachena iwe pachako. Kuchenera matare kuita sei?
* Hapadiwe kubata mishonga yakashata.
* Hapadiwi maoko ane ropa.
* Unofanira kurega kupinda pabonde mazuva matatu kana kudarika usati wabata matare echivanhu. Kana paine chikonzero chakasimba unotanga wageza nebikiro/mafembo/bute wosesekedza hako matare.
* Kana mumoyo uine shungu dzakawandisa unomirira dzipere usati wakumbirira kuvakuru.
ZVINOSHANDISWA PAKUSUMA/KUKUMBIRIRA
* Mafembo/bikiro shomanene woritora woisa muchanza cheruboshwe wofemba shomanene rimwe woisa pasi mumba yekurara pasinganyanyotsikwi wozotsvaira hako.
* Mamwe marudzi ekunze kwenyika anoshandisa hupfu kana zviyo kana ivhu chairo.
* Kana uchikwanisa unogona kushandisa mashizha emuhacha mashanu (redzinza rako, redzinza rambuya mai vababa, redzinza rambuya mai vamai, redzinza rembereko (namai) dzinza rekwawakaroora/kuroorwa.
* Shizha reChivanhu revaridzi vematunhu augere sekuti veChitungwiza nenzvimbo dzekwaSeke vanotonga matunhu iwayo ndaanaMhofu Vhuramavi saka unovasumawo kuti unokumbira kukurukura nemidzimu yako mumasango avo unoriisa (kunyanya kana uri musango kana kumadziva)
NGUVA DZEKUTAURA NEVAKURU NDEDZIPI
* Mambakuedza kubva nguva dzenhatu kusvika zuva rabuda asi risati ropisa. Nekuzobvawo nguva dzezuva rondogara makomo kugumawo paruvhunzavaeni. Asiwo kana wapinda pakamanikana unokwanisa kukumbirira chero nguva izvozvo zvinonzwisisika.
* Haukumbirire mazuva ose kwete unopira kuvakuru vepasi kana pachinge paita chikonzero nekuti vanoziva zvatinoda uye vanotitaririra nguva dzose asika kwete kuzotorawo mwaka wakakura.
Nguva inogara mwedzi mumwedzi wagumiguru kusvika paunogarazve mumwedzi wambudzi hapaitwe mapira, kuwanana, kurova makuva kana kusungira mukadzi.
NDIANI ANE KODZERO YEKUKUMBIRA?
Munhu wese anotenderwa kupira kumidzimu yake nekuti naiyo haisarudze kana kupatsanura mhwere asi pekuti pane dare remusha riri kuda kusumwa zvine chekuita nemusha zvinoda munhurume anova baba kana vasipo mwanakomana chero akava mudiki zvinengei ndiye baba anotoudzirwa zvekutaura ndiye anosuma matare kana pasina panopinda tete kana pasina panozopinda mwanasikana wemumusha iwoyo. Mai kana mbuya nyakuroorwa havakwanise kusuma matare emumusha mavaroorwa kana vachida vanotosuma kudzinza rekwavo. Matare makuru seedunhu neenyika anosumwawo nemhondoro nemakombwe nevane matare enyika.
MAMWE EMAZWI AKASHANDISWA MUBHUKU CHIGWAYA
* Chigwaya - Njuzu
* Harahwa/Sekuru/Hombarume/Wetsvimbo - Vanhurume vose.
* Muchembere/Muzvare/Haranga/Mbuya - Vanhukadzi vese.
* Mukunda - Mwanasikana
* Mukorore - Mwanakomana
* Dova - Mvura
* Hwematanda - Hwahwa hwemasese
* Mavave - Mahewu/Magada
* Mafuko - Machira
* Mhondoro/Svikiro/Gombwe - Mudzimu mukuru wedunhu kana nyika.
* Mafembo - Bute/bikiro
* Njuzu - Vasikana/ Machembere emumvura/ Shavi redona.
* Maraiwa - Mashoko erairo
* Makope - Hope
* Dare - Nzvimbo inoitirwa matare evepasi
* Dandaro - Mutambo/Bira
* Chikicha - Tamba
* Mabwibwi - Mahumbwe
* Makwati - Mari/Hukwati
* Badza - Mari inoiswa mundiro inova yekusuma dare.
* Kupfupira - Kukumbira mvumo yekushandisa dziva kana masango nekuti zvine varidzi vanochengeta.
MUPIRO KUNA TATEGURU DZINZA (Muenzaniso chete)
Kwamurika baba, sekuru, sikarudzi, tateguru munova mavambo. Ndimi makatanga, ndimi munogara neni uye ndimi munondichengeta ndisina mhaka. Ndinika mwana wenyu ndiri zongororo ndiri bofu asi tarisaika nhasi ndirikutevera mutsoka dzenyu ndichigamuchira kuti imika ndimi nhowo inondidzivirira ndimi pfumo rinondirwira. Nhasi mwana wenyu ndapfugama ndichikumbirawo tsvimbo yenyu kuriko kutsvaga kurarama mwana wenyu. Kana dziri mhaka dzakaparwa mukati mekuberekwa ndinogamuchirawo. Naizvo zvirikutadzwa muvapenyu, nezvangu zvandinotadza zvichinzi zvinoripwa ndinoripa hangu, asi tarisaiwo kwekutangira mwana wenyu handichaziva. Ndirikurarama senherera muvapenyu asi ndinoziva kunemi makafa madzichangamire, mwana wenyu handisi nherera.
Nhasi ndakumbirawo kuti mundibatirewo tsvimbo yenyu munditungamire nekundivhenekera muchindiparadzirawoka mhepo dzetsvina, zvinosunga nezvinouya nematambudziko.
Ingai imi maiva nematanga enyu emombe dzaiberekera mumasango dzichifurira mumasango nekuwanda kwadzo.
Madzishe maiva neharanga dzenyu dzaisvika ina, shanu kana gumi. Maiva negidi renyu muchipinda mumasango anorura anotyisa muchiuya makagukuchira nyama dzemhuka vana venyu vachidya vachipfachura. Ko zvino nhasi zvamavekurega nhata netsvina dzichinananaira kwandiri mwana wenyu ndingarwirwe naani?
Honai ndapfugama mwana wenyu ndagwadama. Makati apfugama, ateta nzara, apfugama ateta madzudzo, apfugama ateta rufu...
ππΏππΏππΏ
Ndirozve randirikukukumbirai naro mukati merudo rwenyu, nekururama kwenyu kuti mundisvitsirewo kumadzimbuya naiwo madzitete erudzi rwangu.
Ndinoziva kuti imi machembere, ndimi munondipakurirawo kudya nekutsvaira nzira.
Ko inga imi makange makaroorwawo muine nhaka yenyu, matura nezvivanze zvenyu. Mabasa enyu aive akanaka, akachena.
Nekudaro zvinouya nehuroyi moparadza nezvinorwadza zvisudurutswe zvibvewoka patiri. Hevoka machembere kupfugama kwemwana wenyu ndichiti ndisvitsireiwo kumadzisekuru naivo vandibatirewo tsvimbo yavo... ππΏππΏππΏ
Hevoka vakuru vangu chindisvitsiraiwo kuna iye mukaranga wenyu ndichiziva kuti imi ndimi makaroora. Ndimi nyakukweva haranga mukati memusha. Tiri kutenda kubikirwa masadza tichitendawo kuberekerwa mhuri nekutsvairirwa marara. Ndimizve mune mundya mukati mevana vandakabereka. Ndakumbirawo tsvimbo yenyu ndichiziva kuti ndiyo tsvimbo inounza kudya muvana vandakabereka.... Tarisai rinonanaira mukati mehana yangu munotendera kuti ndimi munochengeta nekurwira. Nhasi ndapfugama pamberi penyu kana ndiine randakakutadzirai kana rakatadzwa nedzinza risunungurwe........
ππΏππΏππΏππΏ
MUPIRO KUMBEREKO (Muenzaniso chete)
Hevoka madzisekuru...
Ndati nhasi murambe kutanangirwa... kugara muchingotukwa muchinzi mune zvikwambo. Muchingotukwa muchinzi muri varoyi... vana venyu tichidya nhoko dzezvironda... nhata netsvina dzichingonanaira patiri.
Ndakumbirawo tsvimbo yenyu vakuru vangu mutisvitsirewo naiko kumbereko...ππΏππΏππΏ
Imika amai mukaka wandakayamwa... ndichiziva kuti imi mbereko ndimi munondisungirawo mudya...munovhumbamira nekuchengeta. Hevoka mbereko... honai mwana wenyu ndapfugama... ndichiti ndimi munyai kwandiri, mutumwa... Mundisvitsirewo mashoko kune avo vedzinza rangu. Munditanhaurewo nhata netsvina dzinonanaira kwandiri mwana wenyu... Mukaka wenyu here unovava wandakayamwa?
Midzimu yekwaamai ndinoziva makachena, makarurama. Nhasi ndapfugama ndichikumbira tsvimbo yenyu, kutanhaurirwa rinodzudza, rinosunga nerinouya nematambudziko. Hevoka changamire kuchema mukati medzinde kuti mundisvitsitsirewo kunaiwo.. mazungu kunaivo mashavi. Inga ndimi makareva vakuru weee... makati mwana achizvarwa, anobva mukati medumbu ramai vake akapfumbata zvipo mukati mamaoko...
Nekunemi mazungu nekunemi mashavi.. Ndimi munopa masimba anoera...
ππΏππΏππΏ
MUPIRO KUVAZUNGU NAVASHAVI (Muenzaniso chete)
Kunemi vakuru vemumvura manjuzu munorapa muchiporesa pwere ndimi munotakura retsvina muchizarira mukati memapako makabatana nemi vari vehondo munorwa muchiparadza mweya yetsvina... zvinosunga nezvinouya namatambudziko. Ndinoti nemiwo vavhimi vadzimba ndimi munotivhimira nekutakura zvidyo. Ndakumbira kuti nhasi mese mubatane kuva chinhu chimwe chete pasave nemumwe anopikisa uye pasave nemakakatanwa kana makwikwi.
Umwe neumwe ngaachimira nebasa rake. Ko inga imi ndimi varidzi vemari nendarama vepfuma nehushavi hwemakwenzi. Ndinozivazve kuti imi hamukundwe nekuti hakuna anomboziva mitupo yenyu kana anoteketera nezita nedzinza renyu. Ndimika vandinodada navo. Nhasi chindibatiraiwo tsvimbo dzenyu mupakate mapfumo, mabakatwa, nemakano mouyaka tirwe tiri pamwechete.
Tarisai nhasi hakuchina masango ekuvhima mhuka mwana wenyu ndirikuvhimawo makwati mukati mokurarama. Zvazvinonzi hakuna muvhimi anopindirwa musango. Naizvozvo endai mukati memakomo, mapako, muminzwa, pasi pemvura nemumatondo muratidze simba renyu...
Pwere yenyu ndapfugama....
(Uchikwiza maoko) ππΏππΏππΏ
KANA MUCHISUMA DARE MUMASANGO
Hevoika nhai changamire chindisvitsiraiwoka mativi mana mabudazuva, chamhembe, nekumaodzanyemba kusvika kumadokero. Mhepo dzose dzakachena iwo matare ese akanaka, nemidzimu yese inesimba rinoera. Tisingasiyewo tateguru umwe neumwe wandapfungama naye nevarimumapako, varimukati meninga, mumakomo... mumasango, varipasi penzizi, nemi muri muzvisipiti. Varimukati memhepo ndimi munozotisvitsirawo kunaivo varidzi vedunhu (nehukuru hwavo) kusvika Dzimbahwe. Tapfugama vana venyu tichikumbira kusunungurwa Dzimbahwe...
ππΏππΏππΏ
MUPIRO WEDUNHU/KUPFUPIRA DZIVA (Muenzaniso chete)
Ndimi munozorisusukidza kusvika kuna mambo Seke. Ndimi sekuru Chaminuka... mugere panyika Dungwiza Takutsikaiwo mumasango enyu Dzimbahwe... Honai kuchema kwemhuri changamire... tichikumbirawo kusunungurwa vakuru vangu. ramakareva. Ndimi makatI hakuna hondo inorwiwa pasina madzisahwira.... Makatizve chengaose manhanga hakuna risina mhodzi. Ndiri nhanga renyu Dzimbahwe motondichengawo vakuru vangu. Ndapfugama ndichisuma tateguru mumwe nemumwe wandiinaye mukati medunhu rino... Ndisingasiyewo imi madzisahwira munoyambuka nzizi, makungwa, muchiuya muno. Ndiri kukumbirawo tsvimbo dzenyu mokurira vavengi.
Ndapfugama ndateterera mobatanaka madzichangamire murwire Dzimbahwe. Ndini (mutupo nechidao chako) ndinoritura ndichiti chindisvitsiraiwo mberi kuna Musikavanhu Nyadenga...Ndimi makarurama makachena, muri simba mukati memasimba. Ndimi chiedza zuva, mwedzi, nyenyedzi zvinotivhenekera.
Ndimi makati pose panenge paine rima pakaiswa mwenje rinotiza. Makagamuchidza zvipo mukati memadzinza... mukati memhuri mukati mekurarama. Ndakumbira masimba enyu murenga. Mwari mumwechete mudzimu watonotenda nekunamata kuburikidza nemi vakuru vepasi. NdinotendaππΏππΏππΏ
kuti mandinzwa, mandidaira ndaonawo uye muchaita sekuda kwenyu.
ππΏππΏππΏ
Comments
Post a Comment