TORA BUTE.......KANA ZVAREMA
*Ukona imba yako yovava, yopisa how ...muchingonetsana nemurume zvisina tsarungano* tora bute wokumbira kutsvairirwa mhepo Mumba mako.
Tora rimwe uchipfungaidza pamarasha uchikumbirira Kuti imba idzimurwe moto
*Ukaona murume okusema* tora bute nemukaka nechijira chako chichena ...virisa mvura yako ine hupfu huchena,zviyo,bute nemukaka zvovira.
kana zvavira tora uise mubucket rausinga shandisi zvizhinji ...natira zvinhu izvozvo wapedza rasa zvako mvura yako pausongazoitsike.
unogeza uchitaura zvaurikuda pamusoro Pemba yako ,chisiya zvawageza zviome zvega tora kajira kako kaye uise bute pakajira kako wokapfeka kumuviri wako iwe munhu kadzi kwemaawara matatu wobvisa wokapisa uchikarira Hondo hekuparadzirwa imba
*Kana Basa ranetsa* tora bute wogeza nebute rako woenda kunotsvaga zvako Basa
*Kana mushando wemaoko waramba* tora bute uise pasi uudze varipasi .
tora bute rako ukumbirire zvaurikuda pamusana pemushando wako wemaoko ...enda unomwaya paunoita mushando wako
*Kana uchirota hope uchikanganwa* tora bute uise pasi pepilo yako.
*Kana varoyi vanetsa* tora bute uise kuseri kwe door udza varipasi vavarwisa vasaswedera pedo newe
*Kana mwana arwara* tora but umukwize muhapwa nemusana
Ndizvo zvimwe zvezvizhinji zvinoshanda bute saka iwe chimboitawo uone Kuti hazvishandi hre
Comments
Post a Comment