Tambo Dzavakaiswa Muchiuno

 Vazhinji vakasungwa zvipo zvavo ne tambo dzavakaiswa muchiuno

Kusungwa raramo yako netambo yemuchiuno neyemuruko ..umwe akaiswa muhuro uchinzi tambo ichakuvhikira hondo ..iwe wakasungwa dzimu 

Vazhinji vane zvipo zviri pavari Vakangoiswa tambo iyoyo muchiuno zvunhu zvavo zvino dhakwa ..nekuda kwekuti zviri pavari zvenge zvisingade tambo iyoyo

Kana zviri pauri zvichida tambo yemuchiuno zvongokuudza kuhope zvoga kwete kuiiswa nemunhu ...Unoziva here zvaanenge adeketera patambo iyoyo yaakakuisa muhuro nemuruoko

Wakanzi ukaisa tambo muchiuno ..Haucha rarwe nechikwambo .Asi uchiri kurarwa nacho ..

Hongu tambo dzemuchiuno dzine zvadzinoshanda asi kwete kuvanhu vese vese Pa100 percent dzoshandiswa ne 20 percent asi chimisikidzo che tambo yemuchiuno zvoreva Chuma chemuchiuno ...

Zvino enderana nerudzi rwenyu rwouswa tambo here kana chuma pabate

Chimisikidzo chetambo yemuruuko ...Chenge chiri chuma chemuruoko ...chimisikidzo chetambo yemuhuro ..chuma chemuhuro.saka kana iwe uchinzi isa chuma ...wobva waisa tambo Unofunga kuti vari pauri vanofara ???? Chivanhu hachina short cut yekuti iwe ukunzi inda unokumbirirwa pasi pemuhacha ...iwe wakupihwa shizha remuhacha kuti unorigeza unoti vari pauri vanofara nazvo ?

Zvetambo yemuchiuno unogona kuiiswa yakadeketerwa mweya wenyoka kuti ikushandise  

Zviri pauri ngazvikurotse zvoga ...Tambo yemuchiuno ....Vamwe pavakadzi dambura zvakabva zvafamba zvakanaka muupenyu hwavo 

Kana ichikuitira shandisa asi kana isiri kukuitira dambura zvava kwamuri kufuka kana kuwarira 

Asi Kana une matare emudzimu echivanhu haapindirane netambo yemuchiuno kunze kwekuti vari pauri vakuudza voga kana kukurotsa voga 

Ukaona mwana wako oiswa tambo muchiuno kana muhuro kana muruoko ziva kuti akutovhiringirwa chipo chake ..dambura tambo iyoyo hazvienderani nedzinza rake ...Asi kana zvichienderana nedzinza rake siya 

Asi Maporofita munozviitirei kusunga vanhu zvipo netambo dzamova sunga ???? 

Inzwai vana VeZimbabwe

Dare retsito riite kana Mudzimu wako wakurotsa wega kuti shandisa Tsito Rakasviba Tsito rikadeketerwa zvakaipa munyama unouona


Tsito rikushandiswa kudzinga mudzimu nenjuzu mumasowe umu rikushandiswa kusunga Ngirozi... Tsito chimisikidzo chemucheka mutema dzinza.. Unonzi rigeze wozorirasa 

Konzi rirasire kumabvazuva usacheuka

Wonzi tsamhira uchaona zvamucharota chii chawakarota pawaka tsamhira Tsito hapana ..Waitsipikwa kuti usaona

Inzwai Tsito mushonga rinorapa zvakawanda asi Maporofita akurishandisa kutsipika midzimu yenyu ndosaka ndati inzwa kutya Tsito ..rishandise kana wazvirotswa kwete Kuti munhu akuti sunga Tsito pamucheka muchena mutsvuku nemutema urasire pamharadzano kana mudziva ....kuda kukuvhiringira matare ako 

Vane ,zvipo vakasvika pasowe vanoshandisirwa ...Tsito .dota . Tambo yemuchiuno . Kuda kutsipikwa dzimu ...ngwarira iwe mugarwi zvauchaitiswa .....Kana iwe uchirota unotyei ? Uchaudzwa zvekuita kuhope ...Uchaudzwa kwekubetserwa kuhope. Moyo wako uchakuudza zvekuita uchazadzisa saizvozvo

Mudzimu wako ukati shandisa Tsito wobva washandisa kwete zvekurishandisiswa na Madzibaba unovharwa rakacheka Nyika 

Wakamboiiswa here tambo yemuchiuno kana yemuruoko ??? 

Wakambo shandisiswa Tsito ?? 

Kana waverenga ita ndizive ndakavinga iwe 

Ukuzvifarira here kana ndirikukunyaudza ?

Comments