NHEMAMUSASA....
*Imbosumira sununguro yedare usati wafamba kumasahwira, kana kuti sahwira ngaakubatsire kuita izvi, nekuti ndiwe mombe yekumuforo padare rako*
Isayi dare renyu mundiro yemusumo wezviyo zvamuchanyika muparure hurukuro nevekwenyu. Kuvhundutsirwa kusakusundeyi, asi vari mugomba vadaire imi, musati maitiswa toyi toyi nemasahwira. Basa revarwi vehondo vanokokakwa nedzinza ndereyi, kana hutyiswa hwahwanda mumatare. Musiki akasika vatumwa vehondo, vanopinda mumadzinza nemunondo kana midzimu yafuratidzwa nehushereketwa.
Munotora ndiro yenyu yemuti moisa zviyo chero chikamu chekomichi. Mokumbirira kumatare remhepo dzose. Anoti;-
*Dare raMusiki nevatumwa(hushavi)*kutenda chete chipo cheupenyu kuna Musiki, Vhumbamiro yeMhondoro, negoneso yeHushavi.
Musiki
Mhondoro
Vashavi vekuvhima
Vashavi vekurapa
Vashavi vehondo
*Dare redunhu* kutenda chete mhepo idzi.
Midzimu mikuru yevakatanga kugara.
Midzimu mikuru yevamugere nekushandidzana navo mudunhu.
*Dare remadzinza* kutenda madzinza mana, kuchema mhaka, nekukumbira gwara, ndopaunotanga kusuma zviyo apa. Uchipikirana neDareDzimu kuendedzana nekugashira kwako rwendo.
Dare dzimu rekwako.
Dare dzimu rekwaamai
Dare dzimu rekwamai vababa.
Dare dzumi rekwamai vamai.
*Kumbira ruregerero kumhaka dzakaparwa nedzinza, newe, nababa vako, sekuru kana tateguru kumachembere, dzaunoziva nedzausingazive.
*Dare remasahwira*
Tenda nekukokera masahwira kunhimbe yekuunda gombo redare iro.
Manjuzu.
Madzviti.
Vazungu.
Siya zviyo zvako kwenhambo gumi nembiri(12) wakazvisungirira mujira jena, wakazvinyika mumvura mundiro yemuti kana kapfuko.
Rechimangwana nyukura kaputu kako kwezviyo nguva imwechete yawanyika. Woputira zviyo nerimwe jira nyoro kuti pasapinde mhepo kana chando. Siya kwemazuva matatu. Rechina wovhura. Kana zvamera manake dare ratambirwa. Wozviyanika, wozopota uchizvishandisa pamisumo yemasvusvu pasi kumachembere mana, nehwematanda pasi kumatateguru mana, nmisumo mumasango, nemadziva.
👏🏾👏🏾👏🏾
Comments
Post a Comment