Muti We Muzeze

Kukosha kwemuti we *MUZEZE*

Kana takatarisa mudzimba medu... Kana mwana achida kuitirwa zvinhu anonanga nekuma Amai kwete kuna Baba.. Amai ndivo vanonzwisisa kurwadza kwembereko

Mwana akarohwa naAmai anochema achidana Mai vamurova uye mwana akarangwa naAmai anomhanya kwavari zvekare kana ave nenzara.. amai vanogona kutsamwa asi havagari nechigumbu mumoyo vanokasika kuregerera

Muti we *MUZEZE* ndiwo muti unochemerwa kumachembere.. Kana ukatema muzeze unokasika kuoma.. zvichiratidza kukasika kuregerera kwemachembere... 

Unotora upfu hwako, bikiro rako ne mavave wopfugama uchikumbirira uchidiri zvinhu izvi pasi peMuzeze

Vane nhau dzewanano vanodakugadzira misha vanoenda pasi peMuzeze komachembere ndiwo madzitete nemadzimbuya Ka

Nevaya vanoona kunge vane munyama ndipo paunogezwa nokuti basa remachembere ndere kutsvaira zvikwekwe

Vaya vane dambudziko rekushaya mbereko torai makwati emuzeze moshanganisa nemazai monwa zvinhu izvi zuva nezuva muchangobva mumazuva ekuteera

Ndatenda Hangu👏

Comments