Mufandichimuka

 


Mufandichimuka sezita rawo chigwenzi chinowanzomera paruware.Chigwenzi ichi chine tsina yachinoita yekuti kana kwapisa kusina mvura chinooma uye kana mvura yanaya chinomuka kudzoka mashizha kuita green.

Saka gwenzi iri mushonga unobatsira zvakawanda chaizvo pakurarama kwevanhu.

Zvimwe zvezvaunoshanda ndezvinotevera.

#Kudzivirira kubva kumhandu,muroyi akauya husiku haakuoni,munhu akakuteya unonyumwa worega kushandisa nzira iyoyo,vanhu vakakurongera zvakaipa hazvibudiriri.

#unomutsiridza zvinhu zvanga zvava kufa,ringava business,marriage,relationship,munhu kana chipi zvacho changa chava kufa chinomuka.

#Kuchenura pabasa,kana uchifunga kuti pabasa pako kana pamusha pako pakashereketerwa tora mufandichimuka wosanganisa nenzeve yenguruve,siya zviri mumvura kusvika mufandichimuka wava green,mimina mvura yacho undomwaya kubasa kana pamba.

#Unosunungura zvipo zvakasungwa.

#Unovhura mhanza kuti ipenye.

#Unochenura makwara kuti zvese zvauri kuronga kana zvauri kufambira zvibude zvakanaka.

#Mabasa hongu unovhura mabasa.Kana uri rovha riri kutsvaga basa tora mufandichimuka ukumbire basa unoona uchiri wana.

Unoita sei.

Tora mufandichimuka wakaoma,woubata nemaoko maviri woti kwauri iwe mufandichimuka,sekuoma kwawakaita ndiko kuoma kwakaita chiraramo changu asi ndinoziva kuti iwe ukawana mvura unomuka saka ini ndichakupa mvura kuti umuke asi paunomuka neniwo umuke nebasa rangu,umuke uchimutsawo marriage yangu,umuke uchimutsawo mushando wangu wemaoko,umuke uchimutsawo hutano hwangu,umuke uchimutsawo zvipo zvangu.

#NB The more the time it takes revive signals kuti zvinhu zvako zvanga zvakavhara.

Kana mhanza yako yakapenya zvinotora less than a day to become green,kana zvanga zvakasunga zvotora kana 3 days asi zvakasungisisa hachitoiti green yacho.

Saka unoita sei kana charamba kuchinja kuita green.

Repeat the process again and again.

Hongu unokwanisa kuramba uchidzokorodza kushandisa mufandichimuka wawamboshandisa asi kana une yakawanda shandisa kamwechete worasa.

#Unotsipinura mudzimu kana mashavi akasungwa nemuvengi.

#Unodzinga mamhepo nemweya wetsvina pamunhu kunyangwe munhu arohwa nezvidhoma mukaupisa wakaoma pamoto zvidhoma zvinotisa.

#Gobacktosender unodzorera zvinhu kwazvabva.

#Unoyeresa zvinhu,unoita kuti munhu kana kuti zvinhu zvako zvive nehuyera kuitira kuti usangorerukareruka.

Makamboona here panobikwa doro remudzimu kuti mufandichimuka unoshandiswa setsotso vanenge vachiitira kuti doro iroro risashereketerwe newakaipa.

Makambozvicherechedza here machembere achiuyita mutsvairo wepanze kuruzevha.

#Kuuchika

#Kudziisa muviri kumadzimai

#Mushonga wemusana kunana baba.

#Feelings unounza kunzwa kuda bonde kune vaye vasina mafeelings.

#Unofumura zviri kuitwa nemunhu zvakaipa asi apa unosanganisa nemashizha emusekesa akaoma wopisa pamoto uchitaura zita remunhu wauri kufungidzira kuti ari kukuitira zvakaipa angava mudiwa wako ari kukuchita zvinoswera zvabuda pachena.

#NB mishonga inoshanda neropa saka kune vamwe zvinogona kuramba kushanda.Kana wakanzi usashandisa mushonga regera.

Muti uyu unoshanda zvakawandisa asi zvimwe zvacho handingakuudzei nekuti vamwe venyu munozoushandisa zvisiri izvo.

Mufandichimuka unoita zvese zvaunenge wakumbirira kuti uyite iwewe,secret iripo unoperekedzwa nemashoko.

Tora mufandichimuka wako wakaoma wotaurira zvese zvaķanaka zvaunoda kuti zviitike pahupenyu hwako.

Wapedza kudeketerera utore uwuyise mudhishi kana chero pamwe pakapamhamha,dira mvura kusvika mashizha ese ava mumvura.

Pota uchienda pauri uchideketerera kusvika mashizha aya ayita green.

Chitora mvura iya upote uchinwa imwe uchigeza nayo makuseni nemanheru kwemazuva anokwana matatu uchitaura zvaunoda.

Mvura inenge yasara pakugeza iya enda unoirasa kuroad uko kunofamba nevanhu asi makesure kuti mvura iyoyo haijengi.

Kana uchida kuita matare ehondo tora mufandichimuka wakaoma,tora marsha ako akabaka,kanda mufandichimuka pamarasha,paye panotanga kupwipwitika hutsi fukira uchituka mhepo dzakaipa.

Kubvisa munyama, tora mufandichimuka wakaoma uyise mudhishi,wetera weti yako imomo,isa 1 cup fresh milk,chekera malemons matatu woisa zvitsama zviviri zvemunyu wemagodo,vhaidza mvura yako yakawanda wondodira mudhishi muya mune mufandichimuka wonatira kusvika wadikitira uchituka mamhepo ese anokutevera uchiramba munyama.Padare iri ukawana nemashizha emuzeze ukazvisanganisa unenge wapedzera zvako.

Kana mvura iya yakupora enda unogeza nayo nemutsvairo uchituka mhepo dzakaipa.

Kana nhumbu yapfurikidza mazuva ayo torai midzi yemufandichimuka neivhu racho moisa mucup yesimbi yakamboshanda iyi inenge yanzwa nekusvuuka moisa imomo modira mvura mosiya mvura iya yochinja colour,ipai munhu ane nhumbu uya onwa mvura asi ngaasabate cup iyi anoiruma nemurumo oita zvekupungura mvura imwe ichidzika nekudumbu kusvika kusikarudzi,haapatori kana 2 hours anenge azvara.

#Ndapota kwete kuzokumbirira manake kumufandichimuka wawatora uri green kuruware nekuti paunongooma chete zvinhu zvako zvinobva zvavhara zvozovhurika futi pauchazomuka.

Ndanyora zvandinozivawo kana une zvaunoziva unokwanisa kuwedzerawo vanhu vabatsirike.

Comments