MATARE NGAAFAMBE NEGWARA REPASI

 *MATARE NGAAFAMBE NEGWARA REPASI* 


Chinotanga idzinza rako mberi pane zvose zvaungatekaidze 


Dzinza ndiro rinokwezva mashavi ose aungaudzwe kuti ari pauri 


Nhasi uno pwere dzomhanyira hushavi nekuda kukasika kugara manake 


Hakuna dzinza risina hushavi asi chakakosha kuti hushavi uhwo hwakauya naani, akauya nazvo ndiye anotanga kukudzwa nekupihwa nzvimbo yake 


Nhasi uno pwere dzomhanyiswa kuita maDiiner evazungu nekufuga zvinopenya, hongu kana dai zvripo pauri ko zvakauya naaniko 


Dzinza rako ndiro ngariende pamberi pane zvose, onesesa nekutsvaga rizere usati wasunda rinoburitsa makwati mazhinji 


Ndipo vakuru vaisafamba pamwe, asi paviri kana patatu vasati vasunda rarehwa pekutanga 


Hakuna asina chipo chaakabuda nacho mudumbu raamai wake 


Uyezve hakuna sahwira anokugachidza chipo chitsva chake kusunda zvagara zviripo 


Usavimba nasahwira kana kumuita shamwari yako kudarika yako midzimu, mangwana unovana akafa asi rako dzinza harifi 


Dzidzai kuzvisumira, midzimu iyi iriko inopindura manake, asika vanopihwa nguva kumhanya hakusi kusvika 


Chimbi chimbi yauraya wakawanda mumatare epasi 


Hautange waita Dinner usati wakudza midzimu yako, uye Dinner sandiko kufadza wemadziva 


Dinner kukudza vazungu, asi wemadziva epasi anoyera vane nzira dzavo 


Ndipo munoona munhu akatorwa nedziva hamumuburitse nekudira hwechirungu mumvura kana zvivitsi mumvura, anobuda paitwa chivanhu chepasi 


Ngatizive dare riakerekana rakanganiswa kuriswatura ibasa guru 


Gumisire ndinoti kumhanya sandi kusvika, iri kure inosvitsa 


Toziva zvakare hatingasvikirwe tose mumusha kana mudzinza dzimu rinokudzwa riri parakashara rega 


Makasunguka kutapudza kana kuwedzera hakuna anoziva zvose

Comments