Tisingakanganwe kuti makope edu anokosha pakutambanudza dare.
Tisaachengete asina dudziro. Anotipa gwara nemhinduro yezvimwe zvakavanzwa, zvinoda zevezeve.
Makope anopihwa sahwira ari kukubatira dare, kana asina chipo chekududzira anozopawo masahwira ake, vomupa dudziro.
Makope haakurukurwe masikati dova rapumhwa. Zvinoita kuti ubirwe, afumuke, akanganwe, uye uchenekwe kumhepo dzakaipa dzinenge dzavanzirwa dare iroro.
Makope anokurukurika kubva na3am kusvika na11 am, uye haade kungobvunzwa nekuudzwa wese wese, kufumura zevezeve remhepo.
Midzimu nemachembere inoda kutaura newe usiri svikiro kana homwe yavo, vanouya kumakope. Kazhinji kana paine dare rakanangana newe, kana kuti Svikiro remusha ratsveruka, kana raramba mudzimu.
Haasi ose makope anoreva zvimwechete. Nyoka inogona kureva hurapi, mudzimu, mhondoro kana huroyi. Imbwa inogona kureva huvhimi kana kurondwa. Nyuchi dzinogona kureva vekwako kana zvitumirwa zvakaipa, rwendo bhazi rinogona kududza kuenda kurufu kana kutevedzwa kwedare redunhu kana redzinza. Saka kurondedzera makope zvakaperera ndiko kunobudisa dudziro nezvirevo zvechokwadi.
Kana makope achivarwa idzikirira nevhara meso inonga ichitoripa. Imbogezwa. Imbodira doro nemasvusvu pasi, udadzeyi vane mapfupa arere pasi.
👏🏾👏🏾👏🏾
Comments
Post a Comment