Mabasa eBute

 Mabasa eBute

Tombobata nezveBute reMatare...zvarinoshanda nemashandisirwo aroπŸ‘πŸΌπŸ‘πŸΌπŸ‘πŸΌπŸ‘πŸΌ

Musiyano uri pabute rematare nerehondo ndewekuti rematare rinodzvurwa robva rabikwa

Zvakanaka kuti wakatenga bute usati warishandisa utange warisumira kunevekwako kuti vaise masimba avo pabute iroro....nekuti hauzive kuti akaribika anga akachena here kana kuti kwete

Bute rematare tinorishandisa sei

1-kuputa...pakuputa apo ndatidzidzei kuputa tichitaurira nechemumoyo...unogona kutotaura nevakuru vako uchiputa bute zvisiri zvekupfugama kukumbirira...ndatisango puta bute zvekunakidzwa asi kuyanana nevadzimu vedu vagare vari pedyo


2-kugeza...tichituka mhepo dzakaipa nekuchemera chakanaka pahupenyu


3-kunatira...unoisa mumvura inopisa woita kufukira...wakada kusanganisa nemufandichimuka...mbanje kana mamwe makwenzi zvakangonaka zvese


4-kune vanonetswa husiku nevaroyi vakarara....musati marara zvakanaka kufuridzira bute padoor nepamawindow umumba menyu muchitaurira kuti vadzimu vekwangu vharirayi vakaipa panze...zvinobatsira kudzingira kure varoyi


5-pakukumbirira....kana tichikumbirira kumadzinza ekwedu tinoshandisa bute rematare iri....kana uri mubvakure unoshandisa hako hupfu asi unoisawo tubute parutivi kuitira varidzi vedunhu maugere...hakuna dunhu risina varidzi


6-unogona kuita rekunwa rakasangana nemvura...rinonzi zambara....hurwere hwese hunobata munhu kungava kutemwa nemusoro kana chiyi...mhepo dzakaipa dzese dzinonogara mudumbu mako...saka kunwa zambara kunoparadza mhepo dzakaipa dzinenge dzakagara mudumbu...nevaye vanorota vachidyiswa kuhope zambara rinobatsira kusunungura mudumbu


7-unogona kuisa bute mubhutsu nemasocks kana wakubuda mumba kunoshava kana kuenda kumatare zvinobatsira kudzima tsoka dzako kune vavengi vanoronda pese pawafamba....zvekare kana uchienda kunzvimbo dzine vanobata bata kusvika une bute mushangu zvinobatsira kukuchengetedza


8-Bute rematare rinoshandiswa zvekare nevanobata matare pakurapa nekudzinga mhepo dzakaipa...mhepo dzakaipa dzinodzingwa nebute asi chinenge chakunyanya kushanda isimba ripamhepo yakupa bute nemashoko ayareva...bute riri rega pasina chimwe chinhu rinogona kuita munana zvichienderana nesimba yemhepo iri pauri kana munhu akupa bute.....hadzisi mhepo dzese dzinorapa nekushandisa makwenzi saka kana vari pauri vachida ushandise bute chete ita izvozvo...simba remhepo iri pauri ndiro rinoshanda pakudzikinura nekurapa vanhu....usashandise makwenzi kurapa kana usina kureverwa kana kurotswa nevekwako...usati nekuti waona Layan vachishandisa makwenzi woda kutedzera...unovhiringa matare ako...ita zvinoda vari pauri kwete kutedzera vamwe...mashandiro emhepo akasiyana..asi usazoshora vanorapa vachishandisawo makwenzi ndatibatanei vanhu vematare tiende kumberiπŸ‘πŸΌπŸ‘πŸΌπŸ‘πŸΌπŸ‘πŸΌ


Asi pabute apa munhu dzidza kugara nerako bute morega zvekukumbidzana kumbidzana vakawanda vakuvharwa zvipo nekutsipikwa pakupanana bute apo...usape munhu wausingazive nzira dzake bute rako uye usaputewo bute revanhu...varoyi chaivo vanoshandisawo bute saka usati wese ane bute anotenda zvaunotenda unogona kukwadzwa nebute remunhu akaipa...ndatiite zvinhu zvedu takangwarira


Usafe wakaita katsika kanoitwa nevamwe kekuti munoputidzana bute richinokorwa kubva muruoko rwako...kana wafunga kupa munhu bute muisire murwoko make kwete kuti anokore raukuputa muruoko mako...unotorerwa masimba


Zvakanaka kuti munhu utengerewo vekwako nhekwe inogara bute ravo...hazvina chiremerera kuputisa vakuru vako bute richibva muplastic...zvekare bute rikagara muplastic rikapindwa pindwa nemhepo rinopera Simba rinenge risisinake....vanokwanisa kutenga dende zvekare munenge magona muchichengetera bute renyu imomo...bute rinotowedzera kubikika kana ririmudende kana munhekwe pane kurigarisa muplastic


Kana tabva pabonde ndatisabate nhekwe kana bute tisina kutanga tazvishamba nemvura miviri yedu kubvisa tsvina dzebonde patiri....zvekare kuvakadzi zvakanaka kuti uite nhekwe mbiri imwe inogara bute raunoshandisa wakachena neimwe yaunoshandisa hako kana wakasviba netsika dzekuterera kwemadzimai...tisabate nhekwe nebute revakuru takasvibaπŸ‘πŸΌπŸ‘πŸΌπŸ‘πŸΌπŸ‘πŸΌ


Zvekare bute harisi rekutenga pese pese...vamwe vanosanganisa nesoda kana mutandangozi kuti bute ravo riite hukasha pakuputa....ndatikumburireyi vedzinza vatungamire kune vanobika nekutengesa bute rinoenderana navoπŸ‘πŸΌπŸ‘πŸΌπŸ‘πŸΌπŸ‘πŸΌπŸ‘πŸΌ


Kune vanobika bute rematare torega kuisa makwenzi mamwe kana makoma mubute reruzhinji...haisi yese midzimu inogona kupindirana nemakwenzi iwayo...kubika bute ndatizive kuti idare pachezvaro ndatisangozviitira business nekutsvaga mari...dare rekubika bute rinotodawo kuchenerwa....kuti bute redu rive namasimba nekunyera kwekusungura nekuyambutsa vazhinjiπŸ™πŸ½


Pamberi neNhekwe bute rine masimba akanyanyisa ndiko kudya kwavari kumhepo saka ndatiyanane nevadzimu vedu kuburikidza nekurisha

Comments