*🖋️Kuzvirapa mazino zvehupenyu hwese*
Mushonga wezino hakusi kuribisa nokuti anopera pasina zvamagona.
Handina kunge ndambozvibvumawo kuti zvinoshanda.
Mazino akafanana nemuguri wechibage une tsanga dzawo.
Tsanga dzinenge dzakaora ukadzibisa hapana zvawaita uchisiya makonye ari kuodza tsanga dzacho.
Makonye ari kuodza tsanga dzechibage akangofanana neemazino edu.
Kana tsanga kana zino ratoora makonye haagaripo nokuti anorarama nemoyo chete wezino kana tsanga yechibage.
Inini ndine mazino akawanda ane maburi asi ndinokwanisa kutsenga maputi kana kuruma chero waya nawo pasina kurwadziwa.
Mushonga uyo itai muchaona achinyarara zvoupenyu wese asi anozogurika zvishoma nezvishoma ega achibva pasina kurwadziwa.
Kweshai mazino enyu achene chero netooth paste, dziisai mvura kusvikira yoda kupisa setii, dirai hafu mukapu yetii, torai Dettol chaiyo inoshandiswa pakugeza vana iya modira madrops mumvura inopisa iya kusvika yachenuruka, dirai mumuromo mofunda kusvikira yava kupora morasa modirazve imwe saizvozvo kusvikira yapera, izvi zvinorwadza asi dambudziko remazino ratopera ipapo ipapo, mataste buds enyu acharasa taste dzimwe nguva kwevhiki mbiri muchiti mukaisa chikafu mumuromo hachina taste chero mukadira table spoon ye salt munomedza ichingoita sehupfu pasina zvamanzwa.
Makonye ese anofa ipapo ipapo, musanyeberwe zino haribiswi, urayai makonye, mogara nemazino enyu akakwana.
*Itai izvi muchazonditenda nokuti ini ndozvandiri izvezvi.*
Comments
Post a Comment