KUZIVA MBUYA HUUDZWA
By sambiri save wemaDziva 🦛🦛🦛🌧️💦💧🦛🦛🦛
pakurarama hakuna anoziva zvose asi kuti zvimwe unotoudzwawo nevamwe ,ndipo pakanzi nevakuru kumhunga hakuna ipwa
Vazhinji nhasi tiri mumadzudzo nokuti kune vakaringa nekuziva zvipo zviri pauri asi havana kuda kukuudza nekuda kwegodo ,kutya kana kungoti hazvina basa
Ndizvo zvapinza pwere zhinji kubva kumadzinza akasiyana mumadzudzo avasingakwanise kubuda nanhasi
Zvichibva pakurasiswa kwatakaitwa chivanhu chedu nekuda kwechipfugamo chakuya
Asi hakuna anokwanisa kutiza mumvuri wake ,kwawakabva ndokwauchadzokera
Chizive zive zvakare chinouraya atenzi nenzara ,ndinoreva kune vaya vasingadi kuudzwa nevamwe
Akawanda matare arikuitwa ,mapira arikuitwa asina dzimwe homwe kana midzimu inoturukapo kunze kwearikutungamira dare chete ,vamwe vose vanonzi nyararai pano hamutaure
Irinhau yekuti kune vaakuti murapwa ndewangu akapihwa dare nemumwe aenda
Asika zivai hakuna asingazive paakayambukira ,mumatare hamuna munhu anonzi wemunhu kana kunzi wemudare rangana ,
Matare Aya kuti zvijeke unotofamba pakawanda nokuti ucharamba wakabatwa padare rimwechete pasina Zambuko
Vazhinji vanozopepuka makwati apera pasina Zambuko rabarwa nemhaka yekumbunyikidzwa kana kubatirirwa padare rimwechete ,ukangobva yatova Hondo kuti wabvirei
Asika chokwadi hachiputse hukama ,hakuna munhu wemunhu ,asikuti munhu wese anotungamirirwa newekwake kuti aende kana kusvika paasvika
Anotungamirirwa nevekwake zvakare kuti pano chibva zvakwana
Aiwaka ndinoti handei mberi nematare ,uye tisafananidza nguvo nedzatarubva
Teera Hana yako mumatare ,vakuru vari patiri vane nzira dzakawanda dzawanoshandisa kukurambidza kana kukutendera
Comments
Post a Comment