kushandiswa kana kuronga zvisingabudire.

 Kana uchiona Kuti Uri kushandiswa kana kuronga zvisingabudire. 

Zvamunoita munotsvaka fodya yehondo motanga marikumbirira kumuDzimu yenyu ....aringe nezvamurikuda kuiti rishande

Mapedza motora chitsamwa chefodya motanga mazvidira mvura yenyu motanga kukwiza pamhadza Jamba munyama ndaramba pahuso hwangu pandinofambawo nemumabasa kana wandinofambidzana naye andionewo semunhu rima rese ndaramba ndinodawo makope akajeka anechirevo 

Mapedza mokwiza mapfudzi enyu muchitukirira mweya isingade chakanaka yakagadzwa pandiri mhepo dzese dzakashata ngadzibve pandiri mweya yezvikwambo ...hurombwa mumhuri mweya wengozi ini handina randakabata maoko angu akachena nazvino chindirwiraiwo kunevakaipa vese vasingadiwo ndibate zvinoendeka

Mapedza moisa rimwe mukati nemaoko muchiakwiza zvakanyanya muchitaura kuti vashavi vangu kusatenda kwanga kurikusaziva kuti ndimi munondishavira zvino nhasi ndaziva kuti ndimi chipindaiwo musango muuye nenhoro onai vana vevamwe vanobata zvinoendeka vachibata pfuma vachida vachiguta hongu makare maivhima mhuka asi parizvino masango haachina mhuka makuvhima pfuma ndorandakumbirawo kwamuri vese vanodeketera nezita rangu vasingade ndibatewo chipenyu chinobatika nhasi handina ngwenzi randabata chinonzi changu chese ngachidzoke mukati nemaoko angu ndidyewo ndichipfachura ...kana mandigonera neni ndichakugoneraiwo 

Papedza motora rimwe mokwiza pasi petsoka muchiti kubva nhasi anondironda tsoka dzangu ngaadzimainzwe pandinofamba ndifambire kushava chete ndaramba kurondwa ...Mogezawo muviri wese muchitukirira mhepo dzisingade chakanaka hapana pamunosiya nekudzvimbo dzakavadzika kushadiswa nezvikwambo ndaramba ndionekwewo semukadzi zvimwe zvacho munowedzerawo mashoko enyu kupopota chaiko kuti mhepo dzakaipa dzese kumadokero ndinoda dzakanaka dzinobva mabvezuva mozviita mazuva matatu mapedza ndichakanda zvekuti muzoita mapedza kugeza Imboedzai izvi kubva kunaMuchembere Moyo๐Ÿ‘๐Ÿฟ๐Ÿ‘๐Ÿฟ๐Ÿ‘๐Ÿฟ๐Ÿ‘๐Ÿฟ๐Ÿ‘๐Ÿฟ

Comments