Kukura kweMhepo iri pauri

 Kukura kweMhepo iri pauri ndiko kunotara nguva ichatorwa dare richisundaidzwa.


Mudzimu mukuru wedzinza hauturuke nyore.Unotofamba wafambazve uchipinda mumasango nemudzininga.Uyu mudzimu wekuti pamwe pacho unotoda kuzosvika kana paita mumwe ane Mhepo ine hukuru saiwo kana kuti pabira panoridzwa ngoma nembira.

Saka pamwe pacho musazotuka Sahwira muchiti akatadza kukubatsira kuti dzimu ritaure nekuti nguva inotorwa inosiyana.Ipo paye paunoenda kusango uchidira doro pasi unenge uchipfumbidza nzira yevakuru uye uchivapa simba saka usanete


Mudzimu waSekuru chaiwo unosiyana newaMbuya.Sekuru kazhinji havauyi zvekumhanya.Saka ngatizivei Hukuru neHuyera hweMhepo dziri patiri toteramira matare.Pamwe pacho unogona kutopedza gore Sekuru vachiuya vachizuzuma nekukarara asi vasingareve.

Comments