Kukumbirira Midzimu

 

 Sezvatinongoita vapenyu kuvabereki vedu,hama neshamwari dzedu. Midzimu yedu vano shuwira kunzwa zvatino shuwira,zvatinoda,zvatino ronga etc mazwi achiita achibva mukanwa medu. Chikuru kuziva nguva dzaunga taura nevakuru vako,uye kuomberwa kana kuuchirwa kwemidzimu yedzinza rako.Chirahwe chikuru chiri chekuti vakuru vano famba kuno tonhorera. Dzingage nguva dzemangwanani kukumbirira tinokumbirira mavamba kuedza 03:00 hrs, Kana wanonokesa kusvika 11:30 hrs ndonguva yemudziya kamwe. Asi unenge wokumbira ruregerero nenguva dzaunenge wokumbirira. Masikati tadarika nguva yechikurura mabhachi vakuru vagara mubvute/mumvuri kotonhorera ndipo pavanofamba tovasimudza kubvawo na 15:00 hrs kusvika na 18:00 hrs. Ndidzo nguva chete dzeku taura nevakuru vedu vakayenda kare. Nguva dzerubvunzavaeni hakuna midzimu unokumbirirwa kusumwa /kuteura etc nekuti Vaya vasingabvarure machira vanenge vogadziriravo hushavi hwawo. Kusina midzimu kana mashavi akanaka aka chena ano sumwa pakati pezuva kana pakati pehusiku.

Kune imwewo dzidziso iri kubva nevakambo ita zvenguwo tsvuku nevamwewo vanofunga kuti varwi vehondo vane dare ravo vega. Mhepo inenge yabuda muchirangano chedzinza inenge yatoshata. Nekuti dzinza ndiro rakabata svumbunuro (key) ino vhurira neku vharira mhepo. 

Matare e chivanhu ano famba nemuronga. Kungave kukumbirira chaiko unoto fambisa nhawu dzako zvine muronga. Dzinza ririro rino tungamira mberi pose pauno pfugama kuteura,kusuma, kukumbirira etc.

 _Dzinza_ - tinenge totaura mweya yevafi vakarohwa makuva kwaBaba nekwa Amai vako.

 _Mashavi edzinza_ - mhepo dzedzinza dzino uya dzaka takura zvipo zvekuzvi shandira uchi shandisa simba,mawoko nenjere dzako. Kusanganisira kupoterwa uchi panda matare.

 _Kune masahwira_ - ava vanenge vaka berekana nemashavi edzinza pakuuya kwavanoita vemasango,makomo,mapako,maninga kana vemadziva. Kusanganisira varwi vehondo .

Pakuteura kusuma/kukumbirira etc kudzinza rekwaBaba uno taura nhuna dzako. Asi watanga wazvisuma kuNyikadzimu

Comments