Kuita chivanhu sanditsamba yehutsvina

 *Kuita chivanhu sanditsamba yehutsvina*


Eheee tinozviziva matare anenguva nezviga zvavo.

Asi kaaa hakuna chiga chemubhazi, hakuna chiga chegurumwandira.

Chero uri munhu wechivanhu gezawo mhani kwete kuti ukasvika panzvimbo zvonzi vetsvina vauya apa uchinyepera chivanhu 

Heee ndiri mhondoro wokwira kombi kombi inevakadzi vari kunguva uchigumhana navo apa wakafuga machira evakuru.

Haaaa shamwari rongeka iweeee.

Umwe anobva kumba ono kararadza ari pakati pedhorobha wotoshaya kuti ko chiii kupenga here


Yanetsa nhau yemhondoro dzemumadhorobha kuve munhu wechivanhu Hazvirevi kuti gara netsvina chero machira chaiwo anotodawo kuwachiwa achichena kwete kuti anoita kunge zvikorobho chenjerai kurangwa nemhepo vakomana nevasika nemafambiro netsika dzamurikuita muchipomera mhepo mumwe anoita chipfambii achiti tateguru vakati vanoda vakaranga vakawanda dzimwe dzacho dzave mbereka dzigere mupwere dambudziko riri rekuda kumhanya kumedza kutsenga uchada


Chivanhu chinoda gwara kwete dzveyamutsveya yoitwa mumamana umu chekutanga ziva kuti chivanhu chauri kuita hachina kutangira pauri ivo tateguru kana muchembere vagara paurii nhasi vanotori nenhoroondo uye vanotozivikanwa uye kana vauya harase zvavaiita kare vazhinji vobatwa nemweya wedzvovera matondo mudzimu hwai wauri kushanda nawo muzukuru usingazivikanwe mumusha mako regai kubatwa nemweya wetubhuru mashanga chivanhu chinoda nhoroondo mhepo yagara pauri ngaive nenhoroondo


Hero madzisahwira regai kugamuchira mhepo dzose dziri kubuda mupwere dzamusina nhoroondo yadzo kunyangwe imi verudzii kubva makare mhepo ichibuda yaitobata masuwo kuti itambirwe ko mhepo dzose dzamuri kutambira muchibikira mabira nekutengera machira dziri kubata masuwo hre???????????


Badza guru rinoda murimi ukapa simbe inovata naro hakuna munhu wekuti anogarwa nemhepi chero murudziii makarombewa zvekuti unobva washaya kana mumwe chete waunowirirana naye ko ivo tateguru kana muchembere vako vaunoreva ava vakamboita cey vapa kuti uvengane nehama dzose mumusha ukazotsvaga nhoroondo yavo uchaona kuti havana manake


Chinotonga musha idare pfumo haritonge musha muzukuru mazvake mazvake haana maturo kubva nhasi tsvaka nhoroondo yemhepo dzese dziri pauri uzive gwara urege kuisunga nekumuswe muzukuru wangu

Ndatenda zvangu

Mukweguri vakuma pashoma mazano marairanwa muzukuru Kureva

Kwasekuru soko

Comments