Kudzosera makope kuvaridzi

 *Kudzosera makope kuvaridzi* vanenge vakupai uye vakachena chete nhai zvakawanda zvinogona kukupa makope ,saka ngatidzidzei kutaura nevekwedu kuziva zvavanoda nhai


Kugona hope kudzidzorera kuna iye akurotesai.

Unomuka woisa fodya pasi woti ndinotenda neramandipa kumakope asi sezvamunoziva ndiri pwere zvimwe zvirahwe zvikukutu handina kukwanisa kuzvipatsanura uye mamwe mafundo handina kukwanisa kumasunungura.

Ndinoti kana riri rechenjedzo ramandipa ndinotenda zvino ndinokumbirawo uchenjeri hwekuti ndichikwanisawo kuritekaidza nekuti ndega ringandiremera


Kana riri reyambiro aiwa ndarinzwa sekureva kwamaita zvino ndinotenda nekuti ndava kuziva anondida neanondivenga,ndava kuzivawo pekutsika nekwekufambira asika sekuziva kwenyu ziso rangu rinooda zviri pedyo saka ndokumbirawo mundiringire nerenyu rinoona zviri kure mundirwirewo kubva kupfumo rewakaipa


Kana dziri hondo dzinosumudzwa nevehukama kana vatorwa ndinoti dzitonhodzei nekuti ini handina mhaka kana daka navo,handina ropa mumaoko angu kana chavo chandakatora saka hamheno vanorwei saka dzorerai hondo kwavari vanegodo neshanje neni nemhuri yangu


Kana arikundiratidza zvakaitika kana zvichaitika ndinotenda nekuzvifumura kwamaita nekuti munenge mazviisa pachena zvafumuka


Kana makope usirikumanzwisisa unomadzorera uchiti

pamusoroi imi muri pandiri munondichengeta,ndinotenda neramandipa kumakope ndirere,kunyangwe zvangu ndisina kumanzwisisa asi ndinovimba munaro ramanga muchitaura neni.Zvino ndinoti kana anga ari manake ngarizadzikiswe zvaro nekukurumidza,chiridiridzirai nekurisakurira rikure riite zvibereko ini muzukuru ndigodyawo chauya nedzimu mangwana ndigokupemhedzai,machembere tsvairai nzira nechivanze ave manake chete mberi kwangu mundibvisire minzwa inobaya


Kana riri rine mayipe akaita serufu kana hondo ipi zvayo ndinoti kumbirirai riganhurwe nekubviswa muropa rangu nemhuri yangu,ndinoramba mamhepo ese asingadi chakanaka,ndinokumbira bvumbamiro yenyu mundivakirewo rusvingo kubva kuhondo dzewakaipa

 

Wapedza woti ndirowo randasumira kwamuri maringe nemakope amandipa asi ndinokumbirawo mangwana auye akajeka andinonzwisisawo.Makope ndimi mandipa uye iwaya zvino ndaita pwere rizadzisei nhai vasharukwa vangu.


Musazvinetse zvenyu vazukuru nekutsvaga dudziro dzemakope nekuti akurotesai ndiye ane dudziro.

dzorerai makope kuvaridzi awo.vkupai makope havangatadze kurizadzikisa rikaburitsa zvibereko zvinopatsanuro yakajeka nhai.

Comments