*DARE REGURUREHANGA*
Dare iri rinowanzonzi nderechemere dzegururehanga. Izvi hazvireve kuti chipo chana mbuya chete, asi ndokwachakawandira.
Ichi chipo *CHEKURAPA*. Kurapa ivara rinosiirwa panzira pakutsanangura. Vamwe vanofunga kuti kurapa kupa mishonga chete. Mhunhu ari patatu, MWEYA, NYAMA NEHANA. Murapi anogona kurapa nemakwenzi, pakurapa muviri. Mumwe anogona kurapa hana yaremerwa nekuwana mashoko, marairwa akarungwa, anodzora ndangariro. Mumwe anogona kurapa mweya kupfurikidza nemisumo nenheru, mweya wadzungaira wozorodzwa.
Machemberekadzi ndivo kazhinji vaibata basa iri papwere, mumhuri nemudzinza kana mudunhu. Miriwo, nemichero yavaitsvaga musango yaiva mishonga inodyiwa ichigutsa asizve ichirapa. Kurapa kwemando iyi, kurapa nekurambidza kana kuti kudzivirira zvirwere zvinokanganisa nyama.
Kurapa nemanzwi imwe nzira yekurapa nekudzivirira, ruvengo, godo, shanje, chinya, rukave(bitterness) kwehana. Kuisa manzwi anoumba hunhu hwakanaka mupfungwa, achinogara muhana. Hurapi uhwu hawuonekwe sehurapi, asi hurapi hwakakosha chose. Haasi wese anowana nguva nemanzwi ekudzora nekudzoreredza pfungwa dzadzungaidzwa nedzakarasika. Kuraira mwana asati aroorwa kana kuroora hurapi hwesvitsa hukuru hunokunda kumupa gwenzi repfuhwiro.
Vasumiri, vanyai, vanyengeteri varapi vanongona kuraura nemweya. Kuyananisa mweya yedu nemweya yevachengeti naMusiki. Nheuro inzira yekurapa mweya, kupfurikidza nekusvitsa nenhunha dzemunhu kumatare emhepo dzinomuringa.
Ivo vane matare eGururehanga ndivo chaivo vekuti kunyange ukatenga bute kana gwenzi ripi rinenge rakaera, rakapihwa simba nemhepo yedare. Gwenzi repamusikawo zvapo nepane asina dare iri hazvifanane nerakaera revedare reGururehanga. Gwenzi rechifumuro revanotsvagawo hava mari nekuona mukana wekuti vanhu vakuziva nekuda chivanhu, harimboita hufumuri hwacho, nekuti harina kuyereswa nedare.
Kugashira nekupembedza gururehanga hazviitwe nekungotenga fuko wosungirirwa rasumirwa. Zviga zvaro zvafanana neRetso, mashavi anopembedzwa musango asviko pururudzirwa nekupembedzwa munhumba. Zvakare kana riine makwenzi dzidza(twasa) mabatirwo nemashandisirwo emakwenzi, misumo yesango nemadziva.
Zvakanaka kuti ugone kusvika pakuziva kuti idzinza ripi, kana Mbuya, kana Sekuru vakutambidza tupadza twesango itwotwo usati waenda kure, woziva kuti hurapi hwacho huri kusimbira papi.
Pakuonekwa kumakope nemuzviratidzo kwauri nekuvaoni, dare iri rinouya kana nezviroto nezvionwa zvehanga, shato, zviroto zvemichero nezvirimwa, pamwe nemakwenzi esango.
Masvusvu ndiwo musimboti wedare iri, pakurigashira, kuripembedza, nekurisimbisa. Tisaite hedu mudimbudzirwa padare reGururehanga, ndiro dare rehupenyu hwakaringana. Kunze kwekunge fuko richingovawo rekudada nechivanhu chako, Gururehanga ngarive nerupasa, kakano, kapadza, katswanda, duri, rusero nemutsvairo. Uchizivazve mhiko nemashandisirwo azvo pasi pemisumo yedare iri....
👏👏👏
Comments
Post a Comment