Chauri kunyanya Kurota uchidya chii ???
Ichocho chunhu Ichocho imbomira kuchidya .....ndikupindura vaya vaiti toziva sei zvekusadya nezvekudya
Ukarota uchidya mupunga / rice usadya rice mangwana acho ukadya unenge wasimbisa zvawadyiswa mumweya
Varoyi vanokudyisa kuhope chunhu chaunonyanyo farira saka ...chivarasisa nekumbo Tsanya chunhu Ichocho . ita nguva usingadye chunhu Ichocho ..
Kana njuzu iripauri ichida umwe wine kana coke unotoita zvekuudzwa kuhope Kuti imwa chakati Kuti zvigodai panotoita inzwi Rokuudza kana munhu anokuudza Kuti imwa chakati ndokuti urwere uhwu hwupere .kana Kuti Mhepo iyi ipere..Saka dare rakadaro unotomuka uchitsvaka chikafu kana zvimwiwa zvawaudzwa wodya kana kumwa nekuti ...zvenge zvabva kumudzimu kana kunjuzu ...unozvimwa uchiziva Kuti ukuzvimwirei ...
Chikafu chevaroyi ndechekungopuwa kana kuto bika iwewe woga wotodya nekumwa pasina kuudzwa Kuti ukudyirei
Saka zvizivei Kuti zvese zvinodiwa nemudzimu wako chingava chikafu kana zvekumwa ...vanokuudzai Kuti idya ichi chinorapa zvakati .
Imwa ichi chinorapa zvakati
Ita izvi ndokuti zvakati zvisadai
Asi ukaona wongodya pasina kuudzwa Kuti ukudyirei ziva Kuti wadyiswa nevaroyi ...muka uchizvi geza mudumbu
Simba renyu ropedzwa nekudyiswa saka bata dare iri ...chaunonyanyo rota uchidya .... imbomira kuchidya nekuti ndo chiri kuvhara matare ako uye ndochiri Kuita ukangamwe hope kana wachidya ...Ndosaka varoyi vakukudyisa Ichocho
Vazhinji inyama ne sadza
Zvekuhope zvunhu zvezvichitoitika ndosaka uchiti ukarwa kuhope unomuka wakatoneta ....zvekuti ukabaiwa kuhope unomuka uchito rwadziwa ipapo pawabaiwa zvezvichitoitika ...
Iyo yekudhonza tambo mumuromo inenge ichibva mudumbu ...mudzimu wako unenge uchitoku bvisa udyiswa hwemudumbu tambo iyoyo inotouraya nekuti ikasabva inosunganidza matumbu ..tambo idzi unodzidyiswa muchikafu kuhope ikoko
Kuhope vanhu vanokurova vaya unofanirwa kuvakurira ....saka ita mazuva matatu uchinokumbirira pasango umborwirwawo hondo dzako nemhondoro dzesango ndatenda ....chero pasina muhacha panoita ....Mune simba ririmo mubani
Ndechipi chaukunyanyo rota uchidya
kuhope ????
It's ndizive kuti waverenga ..
Comments
Post a Comment