Irori bute zvaunoriona ....rine zvese zvaungade.
Pabute ipapa apa ndipo pane muchato wako.
Ndipo pane makeys ehupenyu hwako.
Ndipo pane basa rako ipapa.
Ndipo pane promotion yako ipapa.
Ndipo pane kuvandudzwa kwemabasa ako emaoko.
Ndipo pane zvese zvaunoshuvira.
Zvese zvairamba uchaona zvava kuita.
Irori bute zvaunoriona chizukuru ibara repfuti rinobaya varoyi,rinobaya zvikwambo,rinotonhodza mweya yengozi nemamhepo ese ekumadokero....bute iri chimbambaira chinoputikira mhandu.
Zvaunoona bute iri rinosunungura zvese zvakasungwa pachiraramo chako...mhiko dzese dzakaitwa dzinokuduburwa nebute iri.
Irori bute imbanda hombe inogeza munyama,jambwa,gwembe nerushambwa.
Bute iri rinovhura zvakavharwa iri.
Bute iri ndiwo mwenje murima.
Bute iri inzira yehupenyu.
Bute iri chisipiti chiri mugwenga.
Bute iri ndiyo mhinduro pamibvunzo yako yese.
Bute iri ndiwo magarikwa ako nemhuri yako.
Bute iri ndiro Passport neVisa rako rekusumukira muhupenyu.
Wariona bute iri ziva nhamo yako yapera.
Waribata zvese zvaikunetsa zvinotama semhute.
Hapana chaunoda chinoramba kana warifemba.
Paucharikanda pasi Nyikadzimu richanzwa nheuro dzako.
Nhasi ndakubaira zanhi rehupenyu
Chiita hukama nebute uwone madzudzo ese achipera sedova.
Bute rematare ndiyo svombonori yehupenyu kumwana weDzimbabwe.
#HandinaMwanaAnoitaRombe
Comments
Post a Comment