BUTE CHIIKO?

 BUTE CHIIKO?

Bute igwenzi rinorapa zvirwere zvakawanda maronda, kutema kwemusoro, ma ulcers, , saree, period pain, fibroids cyst etc


RINOGADZIRWA SEIKO

Unodzvura wosefa ndoo magadzirirwo waro. Vamwe vanobika pamoto vamwe vanocherera muvhu vamwe vanosiya kurwizi pamusoro pemahapa dzese idzi dziri nzira dzekuripa simba. Vamwe vanoda risina kubikwa.


MHANDO DZEBUTE

Pane rinonzi bute 

-rematare

-remhare /rehondo

-mudhombo


Bute iri rinogadzirwa nezvambwa zvakasiyana siyana.


Zvamba izvi zvinosiyana 

-ruvara, 

-marimirwo

-nezvimbo yazvinorimwa

-nesimba


Pane chambwa che Moza chinobva kuMozambique

Pane chambwa cheDande chinobva kuDande

Pane chambwa che Mbande chinobva kuDande

Pane chambwa che Kapadza chinobva kuMazowe

Pane chambwa cheMutoko chinobva kwaMutoko


RINOSHANDISWA PAPIKO BUTE IRI?

Rinoshanda paku:

-teura

-kunatira

-kupfungaidza magufu acho

-kuputa

-kushamba

-kunwa



Ndakadzidzawo kuti mhepo hadzidyi zvakabikwa. Saka kana mhepo yauya inenge ichifanira kupiwa bute risina kubikwa rakabikwa nderekushandisa isu venyama.


 Uye rinonzi bute rematare nderisina kubikwa ndoo rinokumbirirwa naro nekuti tinenge tichirisuma kumhepo dzisinga hwanye zvakabikwa. Kana kushandisa chambwa pakukumbirira nekuti chinenge chisina kubikwa.


Comments